TSAMBA YAPAURO

KUNA FIRIMONI

Philemon

Kwaziso

1Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu, 2nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako: 3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.

Kuvonga kwaPauro pamusoro perudo rwaFirimoni

4Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu, 5ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese, 6kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu. 7Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama.

Pauro anoreverera Onesimo

8Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira, 9asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu. 10Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo, 11wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri, 12wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu; 13wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri; 14asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido. 15Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi; 16arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe. 17Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini. 18Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri; 19ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako. 20Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe. 21Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva. 22Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri. 23Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu, 24Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni. 25Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni.

Copyright information for Shona